1 Makoronike 11
Dhavhidhi anova Mambo weIsraeri 1 VaIsraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati, “Isu tiri nyama yenyu neropa renyu. 2 Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha…
Dhavhidhi anova Mambo weIsraeri 1 VaIsraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati, “Isu tiri nyama yenyu neropa renyu. 2 Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha…
Varwi vanobatana naDhavhidhi 1 Ava ndivo varume vakauya kuna Dhavhidhi paZikiragi achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; uye ndivo vamwe vavarwi vakamubatsira muhondo. 2 Vakanga vapakata uta uye vaigona kupfura miseve…
Kudzorwa kweAreka 1 Dhavhidhi akataurirana nomumwe nomumwe wavabati vake vose, vatungamiri vezviuru, navatungamiri vamazana. 2 Akati kuungano yose yeIsraeri, “Kana zvichiita sezvakakunakirai uye kana kuri kuda kwaJehovha Mwari wedu, ngatitumirei…
Imba yaDhavhidhi neMhuri Yake 1 Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo. 2 Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akamusimbisa samambo pamusoro…
Areka inouyiswa kuJerusarema 1 Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende. 2 Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari,…
1 Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari. 2 Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha. 3 Ipapo…
Chivimbiso chaMwari kuna Dhavhidhi 1 Shure kwokunge Dhavhidhi agara mumuzinda wake akati kuna Natani muprofita, “Ndiri pano zvangu ndigere mumuzinda womusidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi peTende.” 2 Natani…
Kukunda kwaDhavhidhi 1 Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia akavaisa pasi pake, uye akavatorera Gati nemisha yakaripoteredza kuti ribve pasi poruoko rwavaFiristia. 2 Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu, uye vakava pasi pake, vakamuvigira…
Hondo navaAmoni 1 Mukufamba kwenguva, Nahashi mambo wavaAmoni akafa uye mwanakomana wake akamutevera paumambo. 2 Dhavhidhi akafunga akati, “Ndicharatidza mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakaratidza mwoyo…
Kutapwa kweRabha 1 Munguva yechirimo, panguva iyo madzimambo anoenda kuhondo, Joabhu, akatungamirira mauto akashonga zvombo zvokurwa. Akaparadza nyika yavaAmoni uye akaenda kuRabha akandorikomba, asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. Joabhu akarwisa Rabha…