Hosea 6

Israeri inoramba kutendeuka 1 “Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu. 2 Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza, pazuva rechitatu achatidzorazve, kuti tirarame pamberi…

Hosea 7

1 Pose pandichaporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvichaiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzichabudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira; 2 asi havazivi kuti ndinorangarira zvakaipa…

Hosea 8

Israeri achakohwa chamupupuri 1 “Isa hwamanda pamuromo wako! Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha. nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu uye vakapandukira murayiro wangu. 2 VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti, ‘Haiwa, Mwari wedu,…

Hosea 9

Israeri inorangwa 1 Rega kufara, iwe Israeri; rega kupembera sezvinoita dzimwe ndudzi. Nokuti hauna kunge wakatendeka kuna Mwari wako; unofarira mubayiro wechifeve, pamapuriro ose. 2 Mapuriro nezvisviniro zvewaini hazvingagutsi vanhu….

Hosea 10

1 Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; akazviberekera zvibereko. Zvibereko zvake pazvakawanda, iye akavakawo aritari dzakawanda; nyika yake payakabudirira, iye akashongedzawo matombo ake akaereswa. 2 Mwoyo wavo unonyengera, uye zvino vanofanira…

Hosea 11

Rudo rwaMwari kuna Israeri 1 Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda, uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti. 2 Asi pandakanyanya kuvadana, ivo vakatonyanya kunditiza. Vakabayira kuna vanaBhaari uye vakapisira zvinonhuwira kuzvifananidzo….

Hosea 12

1 Efuremu anodya mhepo; anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba. Anoita sungano neAsiria, uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti. 2 Jehovha ane mhaka yaanopa Judha; acharanga…

Hosea 13

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peIsraeri 1 Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera; iye akakudzwa muIsraeri. Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa. 2 Zvino vanoramba vachingotadza; vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri…

Hosea 14

Kutendeuka kunouyisa maropafadzo 1 Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakakonzera kuwa kwako! 2 Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose…

Joere 1

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri. Dambudziko reMhashu 2 Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakatomboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu?…