Ezekieri 36

Chiprofita kuMakomo eIsraeri 1 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pamakomo eIsraeri uti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raJehovha. 2 Zvanzi naIshe Jehovha: Muvengi akati kwauri, “Toko waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzava…

Ezekieri 37

Mupata waMapfupa Akaoma 1 Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. 2 Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji…

Ezekieri 38

Chiprofita pamusoro paGogi 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yeMagogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari; uprofite pamusoro pake 3 uti, ‘Zvanzi naIshe…

Ezekieri 39

1 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro paGogi, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari. 2 Ndichakutendeutsa ndigokukwekweredza. Ndichakubvisa kumusoro ndigokutumira kundorwisa pamakomo eIsraeri. 3 Ipapo…

Ezekieri 40

Nzvimbo Itsva yeTemberi 1 Mugore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, pazuva regumi romwedzi, mugore regumi namana, shure kwokuwa kweguta, pazuva racho iroro ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu…

Ezekieri 41

1 Ipapo munhu uya akandiuyisa kunzvimbo tsvene yokunze akayera mbiru, upamhi hwembiru hwaisvika makubhiti matanhatua rumwe norumwe. 2 Mukova wacho wakanga una makubhiti gumi paupamhi, uye madziro aionekera kurutivi rumwe…

Ezekieri 42

Makamuri aVaprista 1 Ipapo munhu uya akanditungamirira nechokumusoro nechomukati moruvazhe rwokunze ndokundiendesa kumakamuri akanga akatarisana noruvazhe rwetemberi uye pakatarisana namadziro okunze kurutivi rwokumusoro. 2 Imba yakanga ino mukova wakatarisa kumusoro…

Ezekieri 43

Kubwinya kunodzokera muTemberi 1 Ipapo munhu uya akandiuyisa kusuo rakatarisa kumabvazuva, 2 uye ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva. Inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji, uye pasi pakapenya nokubwinya…

Ezekieri 44

Muchinda, vaRevhi, naVaprista 1 Ipapo murume uyu akandidzosera kusuo rokunze renzvimbo tsvene rakanga rakatarisa kumabvazuva, uye rakanga rakapfigwa. 2 Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa. Harifaniri kuzarurwa; hakuna…

Ezekieri 45

Kuganhurwa kweNyika 1 “ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava…