Mapisarema 130

Rwiyo rworwendo. 1 Ndakadanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika; 2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni. 3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha,…

Mapisarema 131

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; handina hanya nezvinhu zvikuru kana zvinhu zvinonyanya kushamisa. 2 Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa…

Mapisarema 132

Rwiyo rworwendo. 1 Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi namatambudziko ake ose aakakunda. 2 Akapika mhiko kuna Jehovha, akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti, 3 “Handingapindi mumba mangu kana kuenda kundovata pamubhedha…

Mapisarema 133

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana! 2 Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake….

Mapisarema 134

Rwiyo rworwendo. 1 Rumbidzai Jehovha, imi varanda vose vaJehovha, vanoshumira usiku muimba yaJehovha. 2 Simudzai maoko enyu munzvimbo tsvene, murumbidze Jehovha. 3 Dai Jehovha, iye Muiti wedenga napasi, akuropafadzai kubva…

Mapisarema 135

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imi varanda vaJehovha, 2 imi munoshumira muimba yaJehovha, muvanze dzeimba yaMwari wedu. 3 Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza,…

Mapisarema 136

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. 2 Vongai Mwari wavamwari: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. 3 Vongai Ishe wamadzishe: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; 4 iye…

Mapisarema 137

1 Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni. 2 Pamikonachando apo ndipo patakaturika mbira dzedu, 3 nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei…

Mapisarema 138

Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.” 2 Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, uye ndicharumbidza zita renyu nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu,…

Mapisarema 139

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva. 2 Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure. 3 Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu…