Mapisarema 70

1 Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari; Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire. 2 Vanotsvaka upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vakanganiswe; vose vanofarira kuparara kwangu ngavadzorwe shure vanyare. 3 Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani…

Mapisarema 71

1 Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; ngandirege kutongonyadziswa. 2 Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu; rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese. 3 Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda; rayirai kuti ndiponeswe, nokuti…

Mapisarema 72

Pisarema raSoromoni. 1 Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu. 2 Iye achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira. 3 Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama….

Mapisarema 73

Pisarema raAsafi. 1 Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo. 2 Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika. 3 Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira…

Mapisarema 74

Masikiri raAsafi. 1 Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi? Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi? 2 Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara. 3 Dzorai nhambwe…

Mapisarema 75

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo. 1 Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa. 2 Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa;…

Mapisarema 76

Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo. 1 Mwari anozivikanwa muJudha; zita rake iguru muIsraeri. 2 Tende rake riri muSaremu, ugaro hwake paZioni. 3 Ndipo paakavhuna miseve inovaima, nhoo…

Mapisarema 77

Kumutungamiri wokuimba zveJedhutuni. Pisarema raAsafi. 1 Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe. 2 Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya…

Mapisarema 78

Masikiri raAsafi. 1 Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu; teererai mashoko omuromo wangu. 2 Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare, 3 zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba…

Mapisarema 79

Pisarema raAsafi. 1 Haiwa Mwari, ndudzi dzapinda panhaka yenyu; vakasvibisa temberi yenyu tsvene, Jerusarema varideredza rikava marara. 2 Vakapa mitumbi yavaranda venyu sezvokudya zveshiri dzedenga, nyama yavatsvene venyu kuzvikara zvenyika….