2 Samueri 1

Dhavhidhi anonzwa nezvoKufa kwaSauro 1 Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi akadzoka kubva kuhondo yaakakunda vaAmareki uye akagara paZikiragi kwamazuva maviri. 2 Pazuva rechitatu mumwe murume akasvika achibva kumusasa waSauro, zvipfeko zvake…

2 Samueri 2

Dhavhidhi anozodzwa kuti ave Mambo weJudha 1 Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ko, ndoenda zvangu kune rimwe ramaguta eJudha here?” Jehovha akapindura akati, “Enda hako.” Dhavhidhi akabvunza akati,…

2 Samueri 3

1 Hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi yakatora nguva refu isati yapera. Dhavhidhi akaramba achisimba asi imba yaSauro yakaramba ichipererwa nesimba. 2 Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni: Dangwe rake raiva Amunoni…

2 Samueri 4

Ishi-Bhosheti anourayiwa 1 Zvino Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri akanga afa paHebhuroni, akapererwa nesimba, uye Israeri yose yakavhunduka. 2 Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru…

2 Samueri 5

Dhavhidhi anozodzwa kuti ave Mambo weIsraeri 1 Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu. 2 Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira…

2 Samueri 6

Areka inouyiswa kuJerusarema 1 Dhavhidhi akaunganidza zvakare varume veIsraeri vakanga vasarudzwa, vaisvika makumi matatu ezviuru. 2 Akasimuka akaenda navanhu vose vaakanga anavo kuBhaara reJudha, kundotora areka yaMwari kubva ikoko, iyo…

2 Samueri 7

Sungano yaMwari naDhavhidhi 1 Zvino mambo akati agara mumuzinda wake uye Jehovha amupa zororo kubva kuvavengi vake vose vaiva vakamupoteredza, 2 akati kuna Natani muprofita, “Tarira ndiri pano ndigere mumuzinda…

2 Samueri 8

Kukunda kwaDhavhidhi 1 Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia uye vakava pasi pake, uye akatora Metegi Ama kubva mumaoko avaFiristia. 2 Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu. Akavavatisa pasi akavayera netambo. Aiti akaera kaviri…

2 Samueri 9

Dhavhidhi naMefibhosheti 1 Dhavhidhi akabvunza akati, “Ko, kuchine mumwe akasara here weimba yaSauro wandingaitira tsitsi nokuda kwaJonatani?” 2 Zvino kwakanga kuno muranda weimba yaSauro ainzi Zibha. Vakamudana kuti auye kuna…

2 Samueri 10

Dhavhidhi anokunda VaAmoni 1 Nokufamba kwenguva mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake Hanuni akamutevera paumambo. 2 Dhavhidhi akafunga kuti, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi tsitsi, sokundiitira tsitsi kwakaita baba vake.” Naizvozvo Dhavhidhi…