Johani 9

Jesu anoporesa Munhu Akaberekwa Ari Bofu 1 Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. 2 Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa…

Johani 10

Mufudzi neboka rake 1 “Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo. 2 Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai. 3 Murindi anomuzarurira…

Johani 11

Kufa kwaRazaro 1 Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake. 2 Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira…

Johani 12

Jesu anozodzwa Mafuta paBhetani 1 Kwakati kwasara mazuva matanhatu kuti Pasika isvike, Jesu akasvika paBhetani, kuya kwaigara Razaro, uyo akanga amutswa naJesu kubva kuvakafa. 2 Ipapo vakamubikira kudya kwamanheru. Marita…

Johani 13

Jesu anoshambidza Tsoka dzaVadzidzi Vake 1 Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida…

Johani 14

Jesu anonyaradza Vadzidzi Vake 1 “Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. 2 Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko…

Johani 15

Muzambiringa naMatavi 1 “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. 2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda….

Johani 16

1 “Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka. 2 Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari. 3 Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana…

Johani 17

Jesu anozvinyengeterera 1 Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei. 2 Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape…

Johani 18

Kusungwa kwaJesu 1 Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake ndokuyambuka Mupata weKidhironi. Parutivi rwenzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo. 2 Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva…