Zvirevo 11

1 Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza. 2 Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa. 3 Unhu hwakanaka hwavakarurama unovatungamirira, asi vasina kutendeka vanoparadzwa…

Zvirevo 12

1 Ani naani anoda kurayirwa anoda zivo, asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi. 2 Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha, asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa. 3 Munhu haangasimbiswi…

Zvirevo 13

1 Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa. 2 Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza. 3 Uyo anobata muromo…

Zvirevo 14

1 Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro. 2 Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha, asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza. 3 Kutaura kwebenzi kunouyisa…

Zvirevo 15

1 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha. 2 Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi. 3 Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka. 4…

Zvirevo 16

1 Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha. 2 Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa. 3 Isa kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa…

Zvirevo 17

1 Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo pane imba izere namabiko, ine kupesana. 2 Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa, uye achagoverwa nhaka somumwe wehama. 3 Hari ndeyokubika…

Zvirevo 18

1 Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake; anozvidza kutonga kwakanaka kwose. 2 Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete. 3 Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo, uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa…

Zvirevo 19

1 Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka. 2 Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira. 3 Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo…

Zvirevo 20

1 Waini museki uye doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera. 2 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake. 3 Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara,…