Tito 1
1 Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari, 2 kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati…