Nehemia 1

Munyengetero waNehemia 1 Mashoko aNehemia mwanakomana waHakaria: Mumwedzi waKisirevhi mugore ramakumi maviri, pandainge ndiri panhare yeSusa, 2 Hanani, mumwe wehama dzangu, akauya achibva kuJudha navamwe varume, ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakasara…

Nehemia 2

Atazekisesi anotumira Nehemia kuJerusarema 1 Mumwedzi waNisani mugore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, panguva yaakavigirwa waini, ndakatora waini ndikapa kuna mambo. Handina kumbenge ndambosuruvara zvakadai pamberi pake. 2 Saka mambo akandibvunza…

Nehemia 3

Vavaki voRusvingo 1 Zvino Eriashibhi muprista mukuru navamwe vaprista vakaenda kundoshanda uye akavakazve Suo raMakwai. Vakarikumikidza akaisa makonhi panzvimbo yawo, vakarivaka kunosvika paShongwe yeZana, iyo yavakakumikidza, kusvikira paShongwe yaHananeri. 2…

Nehemia 4

Vavengi vanotsoropodza Kuvakwa kwoRusvingo 1 Zvino Sanibharati paakanzwa kuti takanga tava kuvakazve rusvingo, akatsamwa uye akava nehasha kwazvo. Akashora vaJudha, 2 pamberi pehama dzake nehondo yeSamaria, achiti, “Ko, vaJudha avo…

Nehemia 5

Nehemia anobatsira Varombo 1 Zvino kwakava nokuchema kukuru kwavarume navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha. 2 Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana navanasikana vedu tiri vazhinji; kuti tidye uye kuti tigorarama,…

Nehemia 6

Kuvaka patsva kunopikiswazve 1 Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhia uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga…

Nehemia 7

1 Mushure mokunge rusvingo rwavakwa uye ndaisa makonhi panzvimbo dzawo, varindi vemikova, vaimbi navaRevhi vakagadzwa. 2 Ndakagadza Hanani hama yangu kuti ave mutariri weJerusarema naHanania kuti ave mukuru wepanhare, nokuti…

Nehemia 8

Ezira anoverenga Murayiro 1 Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku…

Nehemia 9

VaIsraeri vanoreurura Zvivi Zvavo 1 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi iwoyo, vaIsraeri vakaungana pamwe chete, vachizvinyima zvokudya vakapfeka masaga uye vaine guruva pamisoro yavo. 2 Avo vaiva zvizvarwa zvavaIsraeri vakazvitsaura…

Nehemia 10

1 Zvino avo vakaisa chisimbiso ndeava: Nehemia mubati, mwanakomana waHakaria, Zedhekia, 2 Seraya, Azaria, Jeremia, 3 Pashuri, Amaria, Marikia, 4 Hakushi, Shebhania, Maruki, 5 Harimu, Meremoti, Obhadhia, 6 Dhanieri, Ginetoni,…