Mapisarema 31

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu. 2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa. 3…

Mapisarema 32

Pisarema raDhavhidhi neMasikiri. 1 Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake. 2 Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make. 3 Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda…

Mapisarema 33

1 Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama; zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze. 2 Rumbidzai Jehovha nembira; muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi. 3 Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro. 4 Nokuti…

Mapisarema 34

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake. 1 Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. 2 Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe…

Mapisarema 35

Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa. 2 Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire. 3 Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti…

Mapisarema 36

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. 1 Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kwavakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake. 2 Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake,…

Mapisarema 37

Pisarema raDhavhidhi. 1 Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa; 2 nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma. 3 Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika…

Mapisarema 38

Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro. 1 Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu. 2 Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu. 3 Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda…

Mapisarema 39

Kumutungamiri wokuimba kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.” 2 Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama,…

Mapisarema 40

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu. 2 Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti…