Mapisarema 121

Rwiyo rworwendo. 1 Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? 2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. 3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; 4 zvirokwazvo,…

Mapisarema 122

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Ndakafara pavakati kwandiri, “Handei kumba yaJehovha.” 2 Tsoka dzedu dzimire mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema. 3 Jerusarema rakavakwa seguta rakapakata kwazvo. 4 Ndiko kunokwira marudzi, iwo…

Mapisarema 123

Rwiyo rworwendo. 1 Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga. 2 Sokutarira kunoita meso enhapwa kuna vatenzi vadzo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu…

Mapisarema 124

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu, Israeri ngavati, 2 dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu patakarwiswa navanhu, 3 apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu;…

Mapisarema 125

Rwiyo rworwendo. 1 Vanovimba naJehohva vakafanana neGomo reZioni, risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi. 2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva zvino nokusingaperi. 3 Tsvimbo yavasakarurama haingagari pamusoro…

Mapisarema 126

Rwiyo rwoRwendo. 1 Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota. 2 Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”…

Mapisarema 127

Rwiyo rworwendo rwaSoromoni. 1 Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshandira pasina. Kana Jehovha asingachengeti guta, varindi vanomira vakarinda pasina. 2 Hazvina maturo kumuka mangwanani nokunonoka kuvata, uchitambudzikira zvokudya, nokuti…

Mapisarema 128

Rwiyo rworwendo. 1 Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake. 2 Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako. 3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako…

Mapisarema 129

Rwiyo rworwendo. 1 Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati, 2 “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda. 3 Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.” 4 Asi…

Mapisarema 130

Rwiyo rworwendo. 1 Ndakadanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika; 2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni. 3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha,…