Mapisarema 111
1 Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, paungano yavakarurama napagungano. 2 Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari. 3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. 4…