Isaya 51

Ruponeso Rwokusingaperi rweZioni 1 “Nditeererei, imi munotevera kururama uye munotsvaka Jehovha: Tarirai kudombo ramakabviswa pariri naparuware pamakacherwa; 2 tarirai kuna Abhurahama, baba venyu, nokuna Sara, akakuberekai. Pandakamudana akanga achingova mumwe…

Isaya 52

1 Muka, muka iwe Zioni, zvifukidze nesimba. Fuka nguo dzako dzakanakisa, iwe Jerusarema, guta dzvene. Vasina kudzingiswa navakasvibiswa havachapindizve mauri. 2 Zunza guruva rako: simuka, ugare paushe, iwe Jerusarema. Zvisunungure…

Isaya 53

1 Ndianiko akatenda zvatakaparidza, uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko? 2 Iye akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari,…

Isaya 54

Kubwinya kuchaita Zioni 1 “Imba, iwe mukadzi asina mwana, pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro, iwe usina kumborwadziwa; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura veane murume,” ndizvo zvinotaura Jehovha….

Isaya 55

Kukokwa Kwavane Nyota 1 “Uyai imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; nemi musina mari, uyai, mutenge uye mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari uye pasina mutengo. 2 Ko,…

Isaya 56

Ruponeso rwaVamwe 1 Zvanzi naJehovha, “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa. 2 Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye…

Isaya 57

1 Vakarurama vanoparara, uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make; vanhu vanoda Mwari vanobviswa, uye hakuna anonzwisisa kuti vakarurama vanobviswa kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa. 2 Vose vanofamba mukururama vanopinda murugare,…

Isaya 58

Kutsanya kwechokwadi 1 “Danidzira nesimba, usanyarara. Simudza inzwi rako sehwamanda. Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo. 2 Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka; vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu,…

Isaya 59

Chivi, Kureurura, neDzikinuro 1 Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa, uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa. 2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza…

Isaya 60

Kubwinya kweZioni 1 “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. 2 Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro…