Ezekieri 1

Zvisikwa Zvipenyu noKubwinya kwaJehovha 1 Mugore ramakumi matatu, nomwedzi wechina pazuva rechishanu, ndiri pakati pavakatapwa, paRwizi rweKebhari, matenga akazarurwa, ndikaona zviratidzo zvaMwari. 2 Pazuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa…

Ezekieri 2

Kudanwa kwaEzekieri 1 Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, simuka netsoka dzako ini nditaure newe.” 2 Akati achitaura, Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu, ndikamunzwa achitaura neni. 3 Akati, “Mwanakomana womunhu, ndiri…

Ezekieri 3

1 Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu, zvino ugoenda undotaura neimba yaIsraeri.” 2 Saka ndakashama muromo wangu, iye akandipa rugwaro kuti ndidye. 3 Ipapo akati…

Ezekieri 4

Kukombwa kweJerusarema kunofananidzwa 1 “Zvino, Mwanakomana womunhu, tora chidhina chevhu, uchiise pamberi pako ugodhirowa Jerusarema pamusoro pacho. 2 Ipapo ugorikomba: Umise nhare dzokurwa naro, uvake dhunduru revhu rokusvitsa pariri, udzike…

Ezekieri 5

1 “Zvino, Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza ugoushandisa sechisvo chomugeri kuti uveure musoro wako nendebvu dzako. Ipapo utore zviyero zviviri ugokamura bvudzi. 2 Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chetatu…

Ezekieri 6

Chiprofita pamusoro paMakomo eIsraeri 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kumakomo eIsraeri; uprofite pamusoro pawo 3 uchiti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha….

Ezekieri 7

Kuguma Kwasvika 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yeIsraeri: Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika. 3 Kuguma kwava pamusoro pako zvino uye ndichatuma…

Ezekieri 8

Zvifananidzo muTemberi 1 Mugore rechitanhatu, mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu, pandakanga ndirere mumba mangu uye vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha rwakauya pamusoro pangu ipapo. 2 Ndakatarisa, ndikaona chimiro…

Ezekieri 9

Vanonamata Zvifananidzo vanourayiwa 1 Ipapo ndakamunzwa achidanidzira nenzwi guru achiti, “Uya navarindi veguta pano, mumwe nomumwe ano munondo muruoko rwake.” 2 Ipapo ndakaona varume vatanhatu vachiuya vachibva nokurutivi rwesuo rokumusoro,…

Ezekieri 10

Kubwinya kunobva muTemberi 1 Ndakatarisa, ndikaona chinhu chakafanana nechigaro choushe chesafire pamusoro pedenga raiva pamusoro pemisoro yamakerubhimi. 2 Jehovha akati kumurume uya akanga akapfeka mucheka werineni, “Enda pakati pamavhiri ari…