Esteri 1

1 Izvi ndizvo zvakaitika panguva yaZekisesi, uya Zekisesi akatonga nyika zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia: 2 Panguva iyo mambo Zekisesi akatonga ari pachigaro chake choumambo munhare yeShushani…

Esteri 2

Esteri anoitwa vaHosi 1 Mushure mezvinhu izvi kutsamwa kwamambo Zekisesi kwapera, akarangarira Vhashiti nezvaakanga aita uye nezvaakanga atema pamusoro pake. 2 Ipapo varanda vamambo vaimushandira vakati, 3 “Mambo ngaatsvakirwe mhandara…

Esteri 3

Hamani anoronga kuparadza vaJudha 1 Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusorosoro kupfuura zvamamwe makurukota ose. 2 Vabati vose vomuumambo vaimira…

Esteri 4

Modhekai anokumbirisa Esteri kuti abatsire 1 Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akazvizora madota, uye akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo. 2 Asi akangosvika pasuo ramambo chete,…

Esteri 5

Chikumbiro chaEsteri kuna Mambo 1 Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova. 2 Paakaona…

Esteri 6

Modhekai anoremekedzwa 1 Usiku ihwohwo mambo akashaya hope; saka akarayira kuti mabhuku enhoroondo nezvinyorwa zvokutonga kwake zviuyiswe uye agozviverengerwa. 2 Vakawana zvakanyorwamo kuti Modhekai akaburitsa pachena kuti Bhigitana naTereshi, vabati…

Esteri 7

Hamani anosungirirwa 1 Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kundodya navaHosi Esteri, 2 uye pavakanga vachinwa waini pazuva rechipiri, mambo akabvunzazve akati, “VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei? Kunyange kusvika…

Esteri 8

Chirevo chaMambo pamusoro pavaJudha 1 Pazuva iroro Mambo Zekisesi akapa imba yaHamani muvengi wavaJudha kuna vaHosi Esteri. Uye Modhekai akauya pamberi pamambo, nokuti Esteri akanga amuudza nezvoukama hwake naye. 2…

Esteri 9

Kukunda kwavaJudha 1 Zvino mumwedzi wegumi nemiviri nezuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, chirevo chakanga charayirwa namambo chaifanira kuzadziswa. Pazuva iri, vavengi vavaJudha vakanga vatarisira kuvakunda, asi zvino zvinhu zvakavapindukira, vaJudha…

Esteri 10

Ukuru hwaModhekai 1 Mambo Zekisesi akadzika mutemo munyika yose, kusvika kumahombekombe egungwa. 2 Uye mabasa ake ose esimba noukuru nerondedzero youkuru hwaModhekai hwaakanga asimudzirwa namambo, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo…