Dhuteronomi 1

VaIsraeri van orayirwa kuti vabve paHorebhu 1 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi. 2 (Zvinotora mazuva…

Dhuteronomi 2

Kudzungaira muRenje 1 Zvino takadzoka tikafamba takananga kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha. Kwenguva yakareba takafamba nenzira yaipoterera nenyika yamakomo yeSeiri. 2 Ipapo Jehovha akati kwandiri, 3 “Mafamba…

Dhuteronomi 3

Kukundwa kwaOgi mambo weBashani 1 Mushure maizvozvo takadzoka tikakwira nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei. 2 Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake,…

Dhuteronomi 4

Mozisi anovarayira kuti vateerere 1 Teererai zvino, imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandava kukudzidzisai. Muitevere kuti murarame uye mugopinda mugotora nyika iyo munopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. 2 Musawedzera kana kutapudza…

Dhuteronomi 5

Mirayiro Gumi 1 Mozisi akadana vaIsraeri vose, akati, “Inzwai imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandinotaura muchinzwa nhasi. Idzidzei muchenjerere kuti muitevere 2 Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu paHorebhu. 3 Jehovha…

Dhuteronomi 6

Ida Jehovha Mwari wako 1 Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu, 2 kuitira kuti iwe, navana vako navana…

Dhuteronomi 7

Kudzinga Ndudzi 1 Zvino kana Jehovha Mwari wenyu akusvitsai munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu akadzinga ndudzi zhinji pamberi penyu dzinoti: vaHiti, vaGirigashi, vaAmori, vaKenani vaPerizi, vaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe…

Dhuteronomi 8

Usakanganwa Jehovha 1 Muchenjerere kutevera murayiro mumwe nomumwe, wandinokupai nhasi, kuitira kuti mugorarama mugowanda uye mugopinda nokutora nyika iyo Jehovha akavimbisa madzitateguru enyu nemhiko. 2 Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari…

Dhuteronomi 9

Kwete nokuda kwokururama kwaIsraeri 1 Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo. 2 Vanhu…

Dhuteronomi 10

Mahwendefa akafanana neokutanga 1 Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, “Veza mahwendefa maviri amabwe akaita saaya okutanga ugouya kwandiri pagomo. Ugadzirewo zvakare areka yomuti. 2 Ndichanyora pamahwendefa mashoko akanga ari pamahwendefa…