1 Timoti 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari Muponesi wedu naKristu Jesu tariro yedu, 2 Kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe…

1 Timoti 2

Dzidziso pamusoro poKunamata 1 Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, 2 madzimambo uye navose vari vakuru, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene….

1 Timoti 3

Vatariri naVadhikoni 1 Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika. 2 Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni…

1 Timoti 4

Kurayirwa kwaTimoti 1 Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda uye vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni. 2 Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge…

1 Timoti 5

Rayiro pamusoro peChirikadzi, Vakuru naVaranda 1 Usatsiura murume mukuru nehasha, asi utaure naye sounotaura nababa vako. Vaduku uvabate savanun’una vako. 2 Vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, nokuchena kwose…

1 Timoti 6

1 Vose varanda vari pasi pejoko rouranda vanofanira kukudza vatenzi vavo zvizere, kuitira kuti zita raMwari uye nedzidziso yedu zvirege kumhurwa. 2 Avo vana vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza nokuda kwokuti…